Matthew 4

Kuedzwa kwaJesu

1Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori. 2Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, akanzwa nzara. 3Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.”

4Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”

5Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati, 6“Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

“Acharayira vatumwa vake pamusoro pako
uye vachakusimudza namaoko avo
kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”
7Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”

8Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo, 9akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.”

10Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ”

11Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.

Jesu Anotanga Kuparidza

12Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea. 13Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari, 14kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti:

15“Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari,
nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani,
Garirea reveDzimwe Ndudzi,
16vanhu vaigara murima
vakaona chiedza chikuru;
kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu,
chiedza chavhenekera.”
17Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”

Kudanwa kwaVadzidzi Vokutanga

18Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove. 19Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” 20Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera.

21Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana, 22uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.

Jesu Anoporesa Vanorwara

23Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu. 24Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa. 25Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.

Copyright information for SnaBDSC